Jesu Anodzoreredza Vanhu VakeChikamu
KUDZOREREDZA MOYO WAKAPUTSIKA
Pita nevamwe vadzidzi vakanga vanetseka kwazvo nekuda kwekuti upenyu hwawo uchazovei pasina Ishe. Ndicho chikonzero vakanga vadzokera kundoredza hove. Mukudzokera kubasa ravo, kwaiva kuzviisa pamuedzo mukuru. Kana tambogashira ruponeso kubva kuna Kristu, zvinokosha kuti tisave nekudzokera kumashure, asi tirambe tiri mukugara maari.
Jesu ari kuramba achitibvunza kuti tinomuda here, kana kuti tiri shamwari dzake here. Zvinotipa pfungwa yekuti titarire kumashure tichiona apo takakundikana kuti tigosimuka zvakare. Jesu wakagadzirira kutigamuchira nekugadzirisa moyo yedu yakaputsika. Anotipa simba idzva kuti tigone zvakare kuparidzira kune vamwe. Nguva dzose apo Pita aibvuma kuti Kristu anomuda, aiudzwa kuti afudze nekutungamira makwai aMwari. Zvinotionesa basa reutungamiri raakapiwa kunyange akanga amboramba Ishe wake mumashure. Kunyange nesu makristu, basa rakatimirira kuti tifudze makwai aMwari.
Jesu havana kutirasa. Haangatenderi vateveri vake kuti vakundikane zvachose. Akaregerera Pita, kunyange nesu anotiregererawo. Ngatitarire kuna Jesu tigomudana. Kumbira kuregererwa kwezvivi kuti ugova mudziyo unokosha zvakare. Pamwechete tichine basa rake rekuita. Takaitwa vamiriri vaJesu ari iye mufudzu mukuru. Kugovana nevamwe shoko raMwari ndiro rerimwe basa ratinofanira kuita.
Munamato: Baba vari kudenga tinokutendai nekutigamuchira zvakare muboka renyu. Takanga takaenda kure nemi, asi tinouya kwamuri tichikumbira kuregererwa. Tinokumbira simba rekushanda mukati mekereke yenyu, kuti tibatsire vamwe vakwanise kuona Mwari. Tinokudai Mwari wedu uye tinoda kugara murumbidzo dzenyu. Tibatsirei muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: 1 Pita 5:4| Mabasa 20:28| 1 Makoronike 28:20.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kristu akamuka kuvakafa anoramba achienda mberi nekutungamira, kubatsira nekutuma vateveri vake. Tichitarisa kudzoreredzwa kwaPita, tinoona kuti kunyange munhu akakundikana paupenyu, hazvireve kuti ukama naKristu hwapera. Jesu akamirira kutidzoreredza nokutishandisa paurongwa hwake. Shoko iri ritotisimbaradza kuti tigone kusangana naJesu munzira dzedu dzemazuva ese, kuti tinzwe inzwi rake, nekugashira kuregererwa kwezvivi pamwe nekumutevera.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL