Jesu Anodzoreredza Vanhu VakeChikamu
RAMBA UCHITEVERA JESU
Jesu anotamba nemazwi: muchinyorwa ichi, kusungwa kuri kutaurwa kunoreva kusungwa maoko kwaizoitwa kuna Pita kubudikidza nevavengi, izvo zvaizomusvitsa pakufa. Tichitevera nhoroondo, makore makumi matatu nemana akazotevera, Pita akarovererwa pamuchinjiko musoro wake wakatarira pasi. Kubudikidza nemagwaro, kunyange Pita musarudzo yake yekutevera Kristu, yaizosvika nguva yaaizofira kutenda kwake.
Kunyange zvakadaro, rufu rwemukristu runoteverwa nerumbidzo kudenga. Jesu akava muenzaniso wakanaka wekutendeka kusvika pakufa. Akararama munguva yakaomarara zvikuru pabasa rake. Zvinogona kuita sekudaro muupenyu hwedu hwechikristu. Wakazara neminzwa. Rwendo urwu runoda vakazvipira. Runoda avo vanoramba vachitevera kudzidzisa kwaJesu kunyange tiri mumipata yerufu. Ngatisimudzei kutenda kwedu kusvika takunda.
Pita akava nekudzidza kukuru. Yakava nguva yake yekudzoreredzwa muboka. Yakava nguva yekushandira Jesu zvakare pamwe nekushandira vanhu vaJesu. Akaoneka achiita basa rine zvibereko. Ndiwo mweya watinofanira kuva nawo. Vana vaMwari vanofanira kukasika kusimuka kana vachinge vasangana nezvinodzosa kumashure votevera Ishe wawo, uyo anopa upenyu. Inguva zvino yekuti iwe neni tirambe tichitevera Jesu.
Munamato: Mwari wedu tinokutendai nekutisarudza kuti tive vateveri venyu. Tinogamucchira nekufarira rudo rwenyu urwo runogara nekusingaperi. Sevana venyu, tinoda kuti tirambe takatendeka kwamuri kuti titevere shoko renyu mazuva ose. Tipei simba, muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Mateo 10:32-33| Ruka 24:26| Zvakazarurwa 2:10.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kristu akamuka kuvakafa anoramba achienda mberi nekutungamira, kubatsira nekutuma vateveri vake. Tichitarisa kudzoreredzwa kwaPita, tinoona kuti kunyange munhu akakundikana paupenyu, hazvireve kuti ukama naKristu hwapera. Jesu akamirira kutidzoreredza nokutishandisa paurongwa hwake. Shoko iri ritotisimbaradza kuti tigone kusangana naJesu munzira dzedu dzemazuva ese, kuti tinzwe inzwi rake, nekugashira kuregererwa kwezvivi pamwe nekumutevera.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL