HumwecheteChikamu
Humwechete/Kubatana
Humwechete hunotsanangurwa uchinzi kuva pamwechete neumwe munhu kanachinhu. Humwechete haudyidzane nekupesana (kuita zvipoka zvipoka). Mamagwaro matsvene humwechete hunotsinhidza nyaya yekuva murunyararo, pamwechete, nerudo pakati pevatendi.
Mazuvano, kubatana hakuchanyatsokosheswa. Izvi zvabva zvakanganisa mhuri, kereke uye netsika nemagariro evanhu. Mumhuri dzakawanda vanhu angove mazvake mazvake kunyanya pamafungiro, zvinotendwa uye chinangwa chehupenyu, ndosaka hurongwa hwaMwari heemhuri hwakunetsa kuzadzisa nokuda kwamakakatanwa. Mhuri inotarisirwa kuva mucherechedzo wekuti mhuri inotenda munaMwari yakamira sei. Mazuvano kupokana yatove tsika, izvi zvinoineka pakusawirirana pakati pamai nemwanasikana, baba nemwanakomana, makakatanwa muchechi nemunharaunda.
Zvakakosha kuti tizive kuti chakanyanyokonzera kukanganisika kwehurongwa hwakaitwa naMwari wepakutanga nemavambo ekutadza kupandukira Mwari kwakaitwa naRusifa nengirozi dzaakafurira. Rusifa wakatsauka kubva pahuronhwa waMwari akabva afurira dzimwe ngirozi kuora kwemoyo wake nekuda kwekuzvikudza nehumbimbindoga. Nokuti akazviudza mumoyo make ndokuti; ‘Ndichaenda kudenga ndobva ndaisa chigaro changu chekutonga pamusoro penyeredzi dzaMwari. Ndichagara muushe pagomo rokusongana ndobva ndafanana naiye wekumusoro soro’.
Kubatana kunovapo kana umbimbindoga nekuzvikudza zvibviswa muvanhu varimuboka, umwe neumwe okoshesa chinangwa nehurongwa hwakatarwa kuti uzadziswe. Isu semaKristu tikatendera Kristu kuti ave pakati pezvose tobva tabvisa kuzvikudza nekukarira zvatoda sedunga munhu asi mukuzvininipisa tobatirira padzidziso yaKristu, Izvi zvinomutsa moyo yedu kutsvaka humwechete mudzimhuri nemuKereke. Tinobva taita zvinofadza Mwari pasina kukakavara. Tikagona kudaro tinogona kushanda pamwechete tikaita mabasa makuru nekukura munashe wedu zvinoenderana neurongwa hwaMwari.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Chii chakakoshera humwechete kana kubatana, kusabatana kunodzivisa (nenzira ipi) kubudirira kwezvinoitwa neboka rinofanira kunge riine donzvo rimwe chete. Ko kubatana kwechokwadi kumirirei mukereke? Chidzidzo chino chichadonongodza nyaya yehumwechete, zvimhingaidzo zvinounzwa nekusabatana zvichizokonzera kuti boka risazadzise zvinangwa zvaro. Uye zvakakoshera humwechete hunodzidziswa neshoko raMwari.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw