Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

HumwecheteChikamu

Humwechete

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Kubatana muKereke

Jesu asati aroverwa pamuchinjikwa, anoita munamato unesimba achinamatira vadzidzi vake navose vaizotenda muzita rake (vanova Kereke). Munamato wakaburitsa pachena Zviri Pam iyi waMwari apa Jesu akanamata achiti vatendi vagova nehumwechete sezvaane umwe naMwari baba. Kubudirira kwaiita Jesu mukushumira ari panyika so munhu kwaibva pahumwechete hwake nababa. Haaimbonyara kutaura kuvaFarise achiti; ‘Ini nababa vangu tirivamwechete’.

Kereke inebasa rekuti pasi rose rizive Jesu Kristu. Mwari anehurongwa hwekuti kuburikidza neKereke chinangwa chake chigoratidzirwa kuvanhu vose. Naizvozvo, kereke inofanira kubatana kuti iri basa rigova nyore kuita.

Patirikuti Kereke tirikureva avo vose vakatenda nekugashira Jesu Kristu samuponesi naIshe wehupenyu hwavo. Ivava, zvisineyi kuti vanogarepi kana kuti vanopinda chechi inonzi, ndovanorarama vachiteerera zvinodiwa naMwari vaine donzvo rekuti hurongwa hwaMwari huzadzikiswe panyika yose. Kunyangwe uyu uriwo mufananidzo Kereke unova muviri waKristu, kereke inoonekwavozve seboka revatendi riri panzvimbo ichishanda munharaunda imomo, sezvinorehwa kuti panevaviri kana vatatu Mwari anovapowo.

Mwari vanotitarisira kuti tirarame muhumwechete sehama munaKristu. Zvakakosha kuti semuviri waKristu tirambe tichiva nehumwechete pamweya, tichishingairakurarama muchiedza nekuti tikafamba muchiedza tinova nekuyanana uye ropa raJesu rinotinatsa kudarika kwose. Tinofanira kushingaira kuti tisaodzwe nenyika asi tive vamwe munaKristu kubvira paboka rechechi munharaunda maugere kusvika muKereke yepasi rose.

Ngatishingaire kuti tive nerugare nevatendi vatinoungana navo, tova nerudo tichiremekedzana sekuziva kwedu kuti takapiwa ushumiri hwakasiyana. Ngatikudzanei tichishumira Mwari maringe nenyasha dzaakatipa. Tikadaro, tinosvika pahumwechete wepakutenda uye tokura munaKristu zvinoenderana nekuronga kwaMwari.

Vatendi pavanorarama muhumwechete, Mwari anoraira ropafadzo yepanyama nomweya uye nehupenyu hwakazara.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Humwechete

Chii chakakoshera humwechete kana kubatana, kusabatana kunodzivisa (nenzira ipi) kubudirira kwezvinoitwa neboka rinofanira kunge riine donzvo rimwe chete. Ko kubatana kwechokwadi kumirirei mukereke? Chidzidzo chino chichadonongodza nyaya yehumwechete, zvimhingaidzo zvinounzwa nekusabatana zvichizokonzera kuti boka risazadzise zvinangwa zvaro. Uye zvakakoshera humwechete hunodzidziswa neshoko raMwari.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw