HumwecheteChikamu
Zvinoitika kana pasina humwechete
Muenzaniso mukuru unoratidza zvinoitika kana pasina humwechete tinouona apo paBhabhero apo Mwari vakachinja mutauro pakava nekupesana kukuru.
Mutsanangudzo yenyaya yepaBabhero tinoona kuti vanhu vose vaive nemuono nechirongwa chakajeka chose. Vaida kuzvigadzirira zita nekuvaka nzvimbo yavaizogara pamwechete vasingazopararira kwose kwose. Kunyangwe hurongwa uyu waive wakanaka, waipessana nezvakange zvarongwa naMwari zvinoti; ‘berekai muwande muzadze pasi rose’. Vanhu ava dai vakabatana pahurongwa hwaMwari vaikwanisa kuzadza Nyika yose nekuti vakange vaine mutauro umwe vakabatanazve. Hapana chavaizokundikana kuita, kunyangwe Mwari akatotaura kudaro.
Mwari akavapa mitauro yakasiyana zvikabva zvaita kuti pave nekupesana pakati pavo. Nharire yeBhabhero ikasavakwa. Pazvose vakabva varasikirwa nenguva yavakapedzsla vachigadzira zvidhina, negadziriro dzose dzinodanganisira vashandi. Zvose zvakashaya maturo nekuda kwekungotadza kunzwanana mumatauriro.
Zvatinodzidza nekufanira kucherechedza ndezvekuti zvisinei kuti tabva kure zvakadii tichishanda tose, tichironga nekushingaira kwose tiine muono wakanaka, tikangopesana chete zvose zvinobva zvawira mudondo. Tinobva tarasikirwa nechionwa Hurongwa wese unoparara.
Pauro, muapostora, anosangana nekupesana kwakada kufanana nekwatareva muchechi yepaKorinde. Vanhu vaikakavadzana vamwe vachiti vanoteera Pauro, vamwe Aporosi, vamwe Kefasi. Kupesana uku kwakakanganisa kukura kwevanhu pamweya. Pauro akavatsiura ekuvanongedzera kunaKritsu anova ndiye anotibatanidza tose muchitendero chevaKristu.
Umwe muenzaniso tinouwana apo vana veIzirairi vakakunda hondo yepaJericho vakazosangana nenjodzi pahondo yeAyi. Mwari akange akavayambira kuti vasave nechavanokarira nekutora pahondo yepaJericho. Asi Akani nekuda kweunjire akasarudza kuzviitira zvinhu zvake ega panzvimbo yekuteerera mashoko aMwari sezvakaita vamwe. Izvi zvakawinza kuranga kwaMwari pamusoro pehondo yaIzirairi..
Zvinosuwisa kuona avo vaive vasina mhosva ndovakafa nekuda kwekutadza kwaAchan. Varwi makumi matatu nevatanhatu vakauraiwa uye mhuri yose yaAchan yakauraiwa nekuda kwekutadza kwababa wavo. Izvi zvinotidzidzisa kuti kusabatana kunosakisa kuti vanhu vakundikane pahondo dzemweya kunyangwe vavakagadzirira vainezvose zvavangade kushandisa pakurwa.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Chii chakakoshera humwechete kana kubatana, kusabatana kunodzivisa (nenzira ipi) kubudirira kwezvinoitwa neboka rinofanira kunge riine donzvo rimwe chete. Ko kubatana kwechokwadi kumirirei mukereke? Chidzidzo chino chichadonongodza nyaya yehumwechete, zvimhingaidzo zvinounzwa nekusabatana zvichizokonzera kuti boka risazadzise zvinangwa zvaro. Uye zvakakoshera humwechete hunodzidziswa neshoko raMwari.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw