1
Isaya 35:10
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaȿika Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo; ʋacawana mufaro nomŋoyo mucena, kucema nokusuwa kucatiza.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 35:3-4
Simbisai maʋoko asinesimba, mutsigire mabvi anoɗeɗera. Itiyi kunaʋanemŋoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mŋari wenyu ucaʋuya nokutsiʋa, nokuripira kwaMŋari; ucaʋuya acikuponesai.
3
Isaya 35:8
Ipapo pacaʋa nomugwagwa, nenzira, icanzi, Nzira yoʋutȿene; unetȿina haaŋgafambi nayo, asi icaʋa yaʋo; ʋanofamba nayo, kunyaŋge ari mapenzi, haʋaŋgarashiki.
4
Isaya 35:5
Ipapo meso amapofu acaȿinudzwa, nenzeʋe dzematsi dzicadziʋurwa.
5
Isaya 35:6
Ipapo unokamhina ucakwakuka senondo, rurimi rwembeʋeʋe rucaimba; nokuti mvura zhinji icadzutuka murenje, nehoʋa dzemvura musaŋgo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo