1
Jakobho 3:17
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jakobho 3:13
Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.
3
Jakobho 3:18
Chibereko chokururama chinodyarwa parugare navanoita rugare.
4
Jakobho 3:16
Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa.
5
Jakobho 3:9-10
Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari; mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.
6
Jakobho 3:6
Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidza irwo neGehena.
7
Jakobho 3:8
asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya.
8
Jakobho 3:1
Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo