1
Kubuda 15:26
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kubuda 15:2
Tenzi ndiye simba rangu, ndiye rwiyo rwangu, ndiye mununuri wangu, iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza, Mwari wababa vangu wandinopemberera.
3
Kubuda 15:11
Pana vamwari vose, ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi? Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi, ano mukurumbira unotyisa ukadai, muiti wamabasa anoshamisa?
4
Kubuda 15:13
Vanhu vamakanunura munovatungamirira, munovatungamirira nomwoyochena wenyu. Munovatungamirira nesimba renyu munovaperekedza kunyika yenyu inoera.
5
Kubuda 15:23-25
Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo