1
Nziyo 31:24
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Simbai mutsunge mwoyo imi mose munotarisira muna TENZI.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 31:15
Upenyu hwangu huri mumaoko enyu ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu navanonditambudza.
3
Nziyo 31:19
Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka zvamakaunganidzira vanokutyai, zvamunoitira vanopotera mamuri vanhu vachiona.
4
Nziyo 31:14
Asi ini ndinovimba nemi TENZI ndinoti ndimi Mwari wangu.
5
Nziyo 31:3
Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu pamusana pezita renyu, ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire.
6
Nziyo 31:5
Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu. Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi.
7
Nziyo 31:23
Idai TENZI imi vatsvene vake. TENZI anochengeta vakatendeka vake; asi anoranga zvakanyanya munhu wose anozvikudza.
8
Nziyo 31:1
Ndinopotera kwamuri TENZI, musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo