1
2 Vakorinde 4:18
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Vakorinde 4:16-17
Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva, nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho.
3
2 Vakorinde 4:8-9
Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana–siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi.
4
2 Vakorinde 4:7
Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu.
5
2 Vakorinde 4:4
Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari.
6
2 Vakorinde 4:6
nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo