1
Isaya 1:18
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Zvanzi naTenzi, “Kana madaro mochiuya zvenyu titaurirane, kunyange zvazvo zvitadzo zvenyu zvakatsvuka seropa, zvichati mbu-u kuchena somukaka, kunyange zvakati piriviri kutsvuka zvichati mbu-u kuchena sedonje.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 1:19
Kana mukada zvokuteerera muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika.
3
Isaya 1:17
Dzidzai kuita zvakanaka, onai kuti kuri kutongwa zvino ruenzaniso vanodzvinyirira vanhu ngavagadziridzwe. Miririrai nherera muchireverera chirikadzi.”
4
Isaya 1:20
Asi mukaramba muchipanduka, bakatwa richakutsakatisai nokuti ndini Tenzi ndazvireva nomuromo wangu.”
5
Isaya 1:16
Shambai muzvichenese, bvisai zviito zvenyu zvakaipa mumaziso mangu. Kandai pasi uipi.
6
Isaya 1:15
Pamunosimudza maoko mudenga ini ndichatarisa rutivi, kunyange pamunogoorera kunamata handiteereri, maoko enyu azere ropa.
7
Isaya 1:13
Chiregai kunge muchauya nemipiro isina maturo rusenzi runondisemesa. Mazuva enyu okugara kweMwedzi namaSabata nemisangano yamunokokerana kukanyanisa ikoku, nokuti musangano mukuru wezvokunamata pamwechete nouipi, zvandifinha.
8
Isaya 1:3
Mombe inoziva muridzi wayo kana dhongi rinozivawo parinopirwa zvokudya nomuridzi waro asi Isiraeri haimboziva zvayo, vanhu vangu havambonzwisisa.’ ”
9
Isaya 1:14
“Mazuva Makuru enyu oKugara kwoMwedzi namazuva makuru akatemwa, mwoyo wangu hauzvidi. Kwandiri yave nhamo chaiyo yokuzvitakura, ndaneta ini nokuzvitakura.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo