1
Isaya 26:3
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Munhu anoramba pfungwa dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta ari murugare chairwo nokuti anovimba nemi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 26:4
Vimbai naTenzi narini wose nokuti muna iye Tenzi Mwari ndimo mubako rokugara nokugara
3
Isaya 26:9
Ini ndinokushuwai nousiku, mweya wangu mandiri unokutsvakisisai kwazvo nokuti kana kutonga kwenyu kwasvika panyika vagari vepasi pano vanobva vadzidza ururami.
4
Isaya 26:12
Imi Tenzi, ndimi muchatiwanisa rugare, nokuti basawo rose ratinoita iri, ndimi.
5
Isaya 26:8
Tenzi, zvamunenge matema imi ndozvatinomirira, imi ndimi watinomirira. Zita renyu risingakanganwike ndochido chemwoyo yedu.
6
Isaya 26:7
Gwara rowakarurama muchechetere nzira yomururami munoiita kuti ive yakati sandara.
7
Isaya 26:5
nokuti akaninipisa vagari venyika dzokumusoro, guta rinozvikudza akaridukupisa akariti pasi mbombombo, muvhu chaimo kuriti umburu.
8
Isaya 26:2
Zarurai misuo mikuru, rudzi rwakatendeseka rupinde.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo