1
Genesisi 25:23
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Genesisi 25:30
Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).
3
Genesisi 25:21
Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
4
Genesisi 25:32-33
Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?” Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
5
Genesisi 25:26
Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
6
Genesisi 25:28
Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo