1
Zvirevo 1:7-8
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa. Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 1:32-33
Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza; asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”
3
Zvirevo 1:5
vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa
4
Zvirevo 1:10
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.
5
Zvirevo 1:1-4
Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano
6
Zvirevo 1:28-29
“Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani. Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo