1
Ɀakazarurwa 7:9
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona ʋazhinji‐zhinji ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa nomunhu, ʋakabva kundudzi dzose, namarudzi, naʋanhu, nendimi, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peGwaiana, ʋakapfeka ŋguʋo cena, ʋakaɓata micindwe mumaʋoko aʋo
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 7:10
ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋaciti: Ruponeso ŋgaruʋe kunaMŋari unogara pacigaro coʋushe, nokuGwaiana.
3
Ɀakazarurwa 7:17
nokuti Gwaiana riri pakati pecigaro coʋushe ricaʋafudza, ricaʋatuŋgamirira kumatsime emvura yoʋupenyu; Mŋari ucapisika misodzi yose kumeso aʋo.
4
Ɀakazarurwa 7:15-16
Naiɀoɀo ʋari pamberi pecigaro coʋushe caMŋari, ʋanomushumira masikati noʋusiku mutembere yake; iye, unogara pacigaro coʋushe, ucaʋadzitira netabernakeri. Haʋacazoziyi nenzara, haʋacazofi nenyota; haʋaŋgapiswi nezuʋa kana nokumŋe kupisa
5
Ɀakazarurwa 7:3-4
aciti: Musatadzira nyika, kana guŋgwa, kana miti, kuȿikira taisa cisimbiso pahuma dzaʋaranda ʋaMŋari. Ndikanzwa kuwanda kwaʋakaiswa cisimbiso; ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna neɀinna, ʋakaiswa cisimbiso ʋacibva kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo