1
Muparidzi 5:2
Shona Bible 1949, revised 2002
Usakurumidza nomuromo wako, mwoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 5:19
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari pfuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye, nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
3
Muparidzi 5:10
Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.
4
Muparidzi 5:1
Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa.
5
Muparidzi 5:4
Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.
6
Muparidzi 5:5
Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.
7
Muparidzi 5:12
Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.
8
Muparidzi 5:15
Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo