1
Isaya 6:8
Shona Bible 1949, revised 2002
Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, “Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera?” Ipapo ndakati, “Ndiri pano ini, nditumei.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 6:3
Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
3
Isaya 6:5
Ipapo ndikati, “Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakan'ora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakan'ora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.”
4
Isaya 6:1
Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguo dzake ichizadza temberi.
5
Isaya 6:7
ikagumura muromo wangu naro, ikati, “Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.”
6
Isaya 6:2
Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
7
Isaya 6:6
Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari
8
Isaya 6:9
Iye akati, “Enda, unondoudza vanhu ava, uti, ‘Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.’
9
Isaya 6:10
Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo