1
Joshuwa 6:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Joshuwa 6:5
Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.”
3
Joshuwa 6:3
Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu.
4
Joshuwa 6:4
Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda.
5
Joshuwa 6:1
Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo.
6
Joshuwa 6:16
Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu.
7
Joshuwa 6:17
Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma.