1
1 Vatesaronika 5:16-18
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Vatesaronika 5:23-24
Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita.
3
1 Vatesaronika 5:15
Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka.
4
1 Vatesaronika 5:11
Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino.
5
1 Vatesaronika 5:14
Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose.
6
1 Vatesaronika 5:9
Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu
7
1 Vatesaronika 5:5
Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo