1
Muparidzi 4:9-10
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 4:12
Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.
3
Muparidzi 4:11
Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei?
4
Muparidzi 4:6
Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo.
5
Muparidzi 4:4
Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo.
6
Muparidzi 4:13
Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo