1
1 Makoronike 16:11
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Makoronike 16:34
Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
3
1 Makoronike 16:8
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
4
1 Makoronike 16:10
Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
5
1 Makoronike 16:12
Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
6
1 Makoronike 16:9
Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
7
1 Makoronike 16:25
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
8
1 Makoronike 16:29
ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
9
1 Makoronike 16:27
Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
10
1 Makoronike 16:23
Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
11
1 Makoronike 16:24
Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
12
1 Makoronike 16:22
“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
13
1 Makoronike 16:26
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.
14
1 Makoronike 16:15
Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
15
1 Makoronike 16:31
Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
16
1 Makoronike 16:36
Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
17
1 Makoronike 16:28
Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba