1
Zvakazarurwa 16:15
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama achinyadziswa nokusapfeka nguo.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakazarurwa 16:12
Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.
3
Zvakazarurwa 16:14
Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.
4
Zvakazarurwa 16:13
Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.
5
Zvakazarurwa 16:9
Vakapiswa nokupisa kukuru vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
6
Zvakazarurwa 16:2
Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
7
Zvakazarurwa 16:16
Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo