1
Ɀireʋo 3:5-6
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀireʋo 3:7
Usaɀiti wakacenjera; Itya Jehova, ubve paneɀakaipa
3
Ɀireʋo 3:9-10
Kudza Jehova neɀaunaɀo, Ʋuye neɀitȿa ɀaɀose ɀawakawana; Ipapo matura ako acazadzwa neɀakawanda, Makate ako acapfacuka newaini itȿa.
4
Ɀireʋo 3:3
Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako
5
Ɀireʋo 3:11-12
Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaJehova; Usaneta nokuraira kwake. Nokuti Jehova unoraira muɗikanwa wake; Seɀinoita ɓaɓa mŋanakomana waʋo waʋanofarira.
6
Ɀireʋo 3:1-2
Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu; Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare.
7
Ɀireʋo 3:13-15
Munhu, wawana ʋucenjeri, unomufaro, Naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuʋuwana ibgo kunopfuʋura kuwana sirveri; Nokuʋufuma ibgo kunopfuʋura kufuma ndarama. Ʋunokosha kupfuʋura korari; Hakunefuma yako iŋgaenzaniswa nabgo.
8
Ɀireʋo 3:27
Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira ɀakanaka Kana ruʋoko rwako ruciŋge runesimba kuɀiita.
9
Ɀireʋo 3:19
Jehova wakateya pasi noʋucenjeri; Wakasimbisa kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo