1
Mavambo 22:14
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mavambo 22:2
Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.”
3
Mavambo 22:12
Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.”
4
Mavambo 22:8
Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo.
5
Mavambo 22:17-18
ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo. Nokuda kwavana vako marudzi apasi pose achakomborerwa nokuti wateerera zvandinoreva.”
6
Mavambo 22:1
Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.”
7
Mavambo 22:11
Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.”
8
Mavambo 22:15-16
Ipapo mutumwa waTenzi akadaidzira rwechipiri ari mudenga kuna Abhurahamu achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga
9
Mavambo 22:9
Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo