1
Isaya 45:3
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 45:2
“Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi.
3
Isaya 45:5-6
Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi kuitira kuti kubvira kumabuda zuva kusvikira kumadokero vanhu vagoziva kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Tenzi hakuna mumwe.
4
Isaya 45:7
Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo ndichisikawo rima. Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika. Ndini ndinounza pfumvu. Ndini iyeni Tenzi ndinoita zvinhu zvese izvozvi.
5
Isaya 45:22
“Tendeukirai kwandiri muponeswe imi vekwose kwakaperera nyika ndinodaro nokuti ini ndini Mwari hakuna mumwe.
6
Isaya 45:1
Tenzi ari kutaurira muzodzwa wake Sairasi wandakabatana ruoko rwerudyi zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu mberi kwake nokushayisa madzimambo simba nokufanozarura makonhi mberi kwake kuitira kuti misuo mikuru irege kupfigwa achiti
7
Isaya 45:23
Ndinopika neni pachangu kuti shoko rangu randareva muururami muromo usingawire pasi rinoti, ‘Ibvi rose zvaro richandipfugamira rurimi rwese zvarwo ruchandipupura.’
8
Isaya 45:4
Chandiri kuitira muranda wangu Jakobho, naIsiraeri wandakasarudza. Ndinokudoma nezita ndichikudaidza nezita redzinza rako kunyange zvako usingandizivi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo