1
Zvakaratidzwa 14:13
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’ “Vakakomborerwa zvechokwadi, ndozvinotaurwa naMweya. Vachazorora pamabasa avo, nokuti zviito zvavo zvinovatevera.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 14:12
Ndikoka kutirira kunodiwa pavatsvene uku! Vanochengeta mitemo yaMwari nechitendero chaJesu.
3
Zvakaratidzwa 14:7
Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.”
4
Zvakaratidzwa 14:9-11
Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nechifananidzo chacho achiiswa mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake, achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana. Utsi hokurwadziwa kwavo hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi uye havana zororo siku nesikati, ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.”
5
Zvakaratidzwa 14:1
Ndakati tarisei ndikaona pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanga vakanyorwa pahuma dzavo zita rayo nezita raBaba wayo.
6
Zvakaratidzwa 14:6
Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose.
7
Zvakaratidzwa 14:8
Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti, “Guta guru reBhabhironi raparara, raparara. Raparara iro rainwisa nyika dzose waini yehavi dzaro dzakaipa.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo