1
Jakobho 1:2-3
Shona Bible 1949, revised 2002
Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jakobho 1:5
Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake.
3
Jakobho 1:19
Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa
4
Jakobho 1:4
Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.
5
Jakobho 1:22
Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
6
Jakobho 1:12
Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda.
7
Jakobho 1:17
Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo asina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
8
Jakobho 1:23-24
Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, akafanana nomunhu anoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti anozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti akadini iye.
9
Jakobho 1:27
Kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.
10
Jakobho 1:13-14
Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa.
11
Jakobho 1:9
Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo