1
Mariko 9:23
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 9:24
Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.”
3
Mariko 9:28-29
Kuzoti Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” Akavapindura achiti, “Rudzi rwemweya uyu haruna madzingiro, asi nokunamata chete.”
4
Mariko 9:50
Munyu wakanaka; asi kana washapa unozovaviswa nei? Ivai vanhu vakarungwa vanowadzana.
5
Mariko 9:37
“Ani naani anogamuchira mumwe wavana vaduku vakadai muzita rangu anogamuchira ini. Uye ani naani anondigamuchira haasi kugamuchira ini asi anogamuchira, uyo akandituma.”
6
Mariko 9:41
Ani naani anokupai mukombe wemvura yokunwa pamusana pokuti muri vanhu vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haazorasikirwa nomubayiro wake kwete.”
7
Mariko 9:42
Ani naani anofurira mumwe wavana vaduku ava vanotenda mandiri kutadza zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe ziguyo mumutsipa wake agokandwa mugungwa.
8
Mariko 9:47
Kana ziso rako richikurasisa, risvukunure, zviri nani kuti upinde muumambo hwaMwari une ziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto, uina maziso maviri
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo