1
Revhitiko 26:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Revhitiko 26:4
ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.
3
Revhitiko 26:3
“ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu
4
Revhitiko 26:6
“ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu.
5
Revhitiko 26:9
“ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi.
6
Revhitiko 26:13
Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.
7
Revhitiko 26:11
Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemai.
8
Revhitiko 26:1
“ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
9
Revhitiko 26:10
Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva.
10
Revhitiko 26:8
Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu.
11
Revhitiko 26:5
Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu.
12
Revhitiko 26:7
Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu.
13
Revhitiko 26:2
“ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.