1
Genesi 32:28
Shona BIBLE
Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Genesi 32:26
Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.”
3
Genesi 32:24
Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.
4
Genesi 32:30
Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, “Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.”
5
Genesi 32:25
Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye.
6
Genesi 32:27
Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.”
7
Genesi 32:29
Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo.
8
Genesi 32:10
handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.
9
Genesi 32:32
Naizvozvo vana VaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.
10
Genesi 32:9
Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’
11
Genesi 32:11
Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo